Matongopr.wehB89 st: 7Nec Yy b2&upN00rcubsearrli Sd ion
Matongo (abandoned houses or homesteads) kutaura misha isisina anogaramo, vanhu vakatama kana vakapera kufa. Kana uri musha mumwe wakasiyiwa saizvozvi unonzi dongo.
- Dongo (Clay pit for pottery) kutaura gomba rinocherwa dhaga rokuumba hari.
- Dongo (Clay soil) apa kureva dhaga remunyakwe.
Chirevo[chinja | edit source]
- Vakare vaitura chirevo chinoti - Rooranai vematongo, apa kureva kuti rooranai muri vanhu vakagara kana kukurira mumisha iri pedyo nepedyo, izvi zvichiitwa nokuti vanhu vakadaro vanozivana mhuri dzavo uye tsika nemagariro avo.
Mitauro yeBantu[chinja | edit source]
- Vatauri veUmbundu vanoti elunda (site of abandoned village or camp etc) kureva dongo kana musasa wakare.
- How much more those who dwell in houses of clay: Kunozopinda kwekaitawani kwevari avo vanogara mumhatso dzedongo. (Job 4:19 Bhaibheri reChiNdau).
- Mururimi rweKiikizu vanoti ritongo (n. deserted place) kureva dongo.
- Mururimi rweEkikabwa vanoti eritongo (n. deserted place) kureva dongo.
- VaYao vanoti masame (deserted village) kureva dongo.
- VaTonga vanoti citongo, itongo, litongo kana matongo (deserted village) kureva dongo.